Proverbs 22

1Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji;
kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.
2Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi:
Jehovha ndiye Musiki wavo vose.

3Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda,
asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.

4Kuzvininipisa nokutya Jehovha
kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

5Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo,
asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.

6Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,
uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

7Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo,
uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.

8Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko,
uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.

9Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa,
nokuti anopa varombo zvokudya zvake.

10Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo;
kupopotedzana nokutukana kunoguma.

11Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka,
achava shamwari yamambo.

12Meso aJehovha anorinda zivo,
asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.

13Simbe inoti, “Panze pane shumba,”
kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”

14Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika;
uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.

15Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,
asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

16Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake
nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

Mashoko oMuchenjeri

17Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri;
isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,
18nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako,
uye ugare wakagadzirira kuataura ose.
19Kuti uvimbe naJehovha,
ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.
20Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here,
mashoko edzidziso noruzivo,
21kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika,
kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno
uyo akakutuma?

22Usatorera varombo nokuti varombo,
uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,
23nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo,
uye achapamba vanovapamba.

24Usaita ushamwari nomunhu ane hasha,
uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,
25kuti urege kudzidza tsika dzake,
uye urege kuzviteya nomusungo.

26Usava munhu anombunda ruoko pamhiko,
kana kuzviita rubatso pazvikwereti;
27kana usina chaungaripa nacho,
uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.

28Usabvisa dombo romuganhu wakare,
wakaiswapo namadzibaba ako.

29Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here?
Achashanda pamberi pamadzimambo;
haangashandiri vanhu vasina maturo.
Copyright information for SnaBDSC